Carol Mujokoro - Haiwa Jehovah

Carol Chivengwa - Haiwa Jehovah Haiwa Jehovah makaita denga nepasi nesimba renyu guru rinoshamisa, Hakuna chinhu chinokukonayi munotiropafadza vana venyu, Munoisa mufaro mukati memoyo yedu munotirwira nguva dzose. Oh Mwari, ndiani angapihwa rumbidzo semi, Ishe murikudenga? Ngirozi dzoimba, kurumbidza imi Mwari, simba renyu rinoshamisa, mabasa makuru. Murumbidzei Mwari anoshamisa wakaita nyika nekuzara kwayo Makomo nenzizi Ishe wakazvisika, masango nemhuka Mwari wakasika. Album - NdiMwari Baba Artist - Carol Chivengwa Zim Gospel | Shona Praise | Shona Worship |