The African Apostolic Church Hymn 123 part 2

Lyrics (Hymn 123,AAC Hymn Book) 6. Mutongi zvaakagara, Anotonga zvinhu zvose; Nezvo zvakanga zvavanda, Mabasa namatamawo. 7. Ndinogoita seiko? Tsitsi dzinogobvepiko? Anondiyamura ani? Nomusi uyo wokutya. 8. Mambo woutsvene, iwe, Wakatipa Muponisi; Tiitire tsitsi, Musi uyo wokutongwa. 9. Iwe Jesu wavo munhu, Nenzira yoruponiso; Rega kundisiya zvino. Ndive mutandwi naMwari . 10. Wakambonditsvakisisa, Wakambondifira ini; Basa rako guru, Ishe, Haringandiponisi nhai! #aacmelody #ashion13 #mwazha #gospelmusic #theafricanapostolicchurch